Thursday, February 28, 2008

Wedding talk in Zimbabwe

Not all Zimbabweans attend weddings for the fun and pleasure of just attending, the booze or the food. Others actually attend to carry out uncommissioned researches.
Below is the result of research one Zimbabwean has carried out about local weddings. These are snippets of what guests - both invited and self-invited - say at weddings:
* Muchato wacho unenge wenzara nzara.
* Iye angachate atove nenhumbu?
* Murume wacho anenge mudhara uyu.
* Akambobvisa nhumbu yaPastor iyeyu.
* Murume wacho anenge ari kurwara uyu
* Kufira mugota zviri nani
* Nhai mune chamambodyawo?
* Mbuya yabatira mwana apa
* Ndinobvisa chipo kuti ndambodya chinhu?
* Kakeke kacho kanenge kekwa-TM.
* Keke racho ranga richiita kunge chikodzamvana.
* Hazvisi zvikwereti izvi?
* Titoreiwo camera.
* Pambotengwa makireti manganiko?
* Ndo hairstyle rudzii yakaitwa apo nhai?
* Kamota kacho kevachati!
* Vaperekedzi kutodada ungati ndivo vachata.
* Waona mutambiro wanga uchiita Ranziroti!
* Sekuru vacho kubva vabvisa huku chaiyo nhai.
* Wabvisa marii? Hundred yangu yaenda ichichema.
* Ndikweretesewo mari yechipo ndozokupa.
* Ndiyo chembere yakazoroorwa na-George uyo?
* Pashaya amuudza kuti zvaakapfeka hazvisi kuita here?
* Hanzi aimbodanana nouyu wekufa uyu?
* Anomboshanda kupiko?
* Ko vanga vadii kutengera mai vemurume hembe iri nani?
* Food iri bho yese inenge irikungoenda ku-high table.
* Ko akwaretesa sekuru Shepherd bhutsu ndiyani?
* Hona ziso kubuda! Asvika pa-peak manje.
* Mukadzi wacho akawanza makeup.
* Vakawanza ma-speech tinodzokera nezvipo.
* Hona kutanga kufeeder hama dzavo first.
* Boys, I think beer rapera; ngatishayike.
* Varikunyepa kuti beer rapera; ndaudzwa kuti rakazara mudeep-freezer.
* Mota yeku-hire! Dai iri yavo better!
* Zvovoramba vachingoridza Mutukudzi asingatambike.
* Asi mu-war vet?
* Baba vacho vabvisa mariiko?
* Kuvhaira nemota dzebasa.
* Hona tutsapfu utwo.
* Kuita man'a obuda nemubhutsu!
* Fesi yacho mapundu.
* Haisi hembe ye-friend yake yaakwereta iyi?
* Ko ka-junk ndekapi ako?
* Nzara yega-yega.
* Ndewe MDC.
* Kutambura ndinokuziva ini!
* Hauzive kuti akafirwa nemwana last year here?
* Vakadzingwa pavairoja.